Genesis 27:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobo, Jakobo acaŋgoɓuɗa pamberi paIsaka ɓaɓa ʋake, Esau mukoma wake, akapinda, acibva pakuvima kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokunge Isaka apedza kumuropafadza uye Jakobho achangobva pamberi pababa vake, mukoma wake Esau akasvika achibva kundovhima.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakaitika kuti Isaki achangopedza kukomborera Jakobho, iye Jakobho achangoti ibvei pana baba vake, Esau mukoma wake ndokubva atiwo vhu kusvikawo achibva kundovhima.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi paIsaka baba vake, Esau mukoma wake, akapinda, achibva pakuvhima kwake.
Shona 2009?
Zvino Isaka wakati apedza kuropa­fadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mu­koma wake, akapinda, achibva paku­vhima kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi paIsaka baba vake, Esau mukoma wake, akapinda, achibva pakuvhima kwake.