Genesis 27:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Esau wakati acinzwa mashoko aɓaɓa ʋake, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo, akati kunaɓaɓa ʋake: Ndiropafadzei neni ʋo, ɓaɓa ʋaŋgu!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Esau akati anzwa mashoko ababa vake akaridza mhere nokuchema kukuru neshungu uye akati kuna baba vake, “Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Esau akati achinzwa zvaitaurwa nababa vake, akazhamba kuchema achishungurudzika achiti, “Baba neniwo ndikomborereiwo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo, akati kuna baba vake, “Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!”
Shona 2009?
Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo, akati kuna baba vake, "Ndiropafadzei neniwo, baba vangu! "
Shona SUB 2002 Bible
Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo, akati kuna baba vake, “Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!”