Genesis 27:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Isaka akapindura, akati kunaEsau: Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti ʋaʋe ʋaranda ʋake; ndamusimbisa neɀiyo newaini; ɀino cinyiko candiŋgakuitira iwe, mŋana waŋgu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isaka akapindura Esau akati, “Ndamuita ishe wako uye ndakaita hama dzake dzose varanda vake, uye ndamusimbisa nezviyo newaini itsva. Saka chiiko chandichagona kukuitira mwana wangu?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaki ndokupindura Esau achiti, “Chitarisa uoneka, ndamuita kuti ave mutongi wako. Hama dzake dzose ndadziita kuti dzive varanda vake, ndikamupawo chikomborero chembesanwa newaini. Zvino chii chasara ipapa chandingakuitirewo mwanangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Isaka akapindura, akati kuna Esau, “Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?”
Shona 2009?
Isaka akapindura, akati kuna Esau, "Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?"
Shona SUB 2002 Bible
Isaka akapindura, akati kuna Esau, “Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chiiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?”