Genesis 27:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Esau akaʋeŋga Jakobo nokuɗa kwokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako naɓaɓa ʋake; Esau akati mumŋoyo make: Mazuʋa okucema ɓaɓa ʋaŋgu oɗo‐kuȿika; ipapo ndicaʋuraya munuŋuna waŋgu Jakobo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakapiwa nababa vake. Akati mumwoyo make, “Mazuva okuchema baba vangu ava pedyo; ipapo ndichauraya munun'una wangu Jakobho.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Esau akavenga Jakobho pamusana pechikomborero chaakanga apiwa nababa vake. Asi nechomumwoyo Esau akati, “Mazuva okufa kwababa vangu ava pedyo, tikapedza kuvachema ndichauraya munun'una wangu Jakobho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumwoyo make, “Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya mun'una wangu Jakobho.”
Shona 2009?
Esau akavenga Jakobho nokuda kokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumoyo make, "Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya munun'una wangu Jakobho."
Shona SUB 2002 Bible
Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumwoyo make, “Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya munun'una wangu Jakobho.”