Genesis 27:42 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Rebeka wakaʋudzwa mashoko aEsau, mŋanakomana wake mukuru; akatuma munhu kundoɗana Jakobo, mŋanakomana wake muɗuku, akati kwaari: Tarira, mukoma wako Esau unoɀiʋaraidza pamsoro pako, aciti ucakuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rabheka akati audzwa zvakanga zvataurwa nomwanakomana wake mukuru Esau, akatuma munhu kuna Jakobho mwanakomana wake muduku akati kwaari, “Mukoma wako Esau ari kuzvinyaradza nepfungwa dzokuda kukuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ribheka paakanzwa zvairongwa naEsau mwanakomana wake mukuru akadaidza Jakobho mwanakomana wake muduku akati kwaari, “Chionaka iwe, mukoma wako Esau ari kuronga zvokukuuraya achitsividza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Rabheka akaudzwa mashoko aEsau, mwanakomana wake mukuru; akatuma munhu kundodana Jakobho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, “Tarira, mukoma wako Esau anozvivaraidza pamusoro pako, achiti achakuuraya.
Shona 2009?
Zvino Rabheka akaudzwa ma­shoko aEsau, mwanakomana wake mu­kuru; akatuma munhu kundodana Jako­bho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, "Tarira, mukoma wako Esau anozvivaraidza pamusoro pako, achiti achakuuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Rabheka akaudzwa mashoko aEsau, mwanakomana wake mukuru; akatuma munhu kundodana Jakobho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, “Tarira, mukoma wako Esau anozvinyaradza pamusoro pako, achiti achakuuraya.