Genesis 27:45 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuȿikira kutsamŋa kwomukoma wako kwanyarara kwauri, kana akaŋganwa iɀo ɀawamuitira: ipapo ndicatuma munhu kuzokutora ikoko; ndicatorerwa seiko nomusi mumŋe imi mose muri ʋaʋiri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukoma wako paanenge asina kukutsamwira uye akanganwa zvawakamuitira, ini ndichatuma shoko kwauri rokuti uchidzoka kubva ikoko. Ndorasikirwa nemi seiko muri vaviri zuva rimwe chete?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kusvikira hasha dzomukoma wako dzaserera, kudzamara mukoma wako asisiri kukushatirirwa, akanganwa zvawakamuitira. Ndipo pandichazotumira munhu kuzokutora ikoko. Handidi ini kurasikirwa navanhu vaviri pamusi mumwechete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kusvikira kutsamwa kwomukoma wako kwanyarara kwauri, kana akanganwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mumwe imi mose muri vaviri?”
Shona 2009?
kusvikira kutsamwa komukoma wako kwanyarara kwauri, kana akangamwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mu­mwe imwi mose muri vaviri?"
Shona SUB 2002 Bible
kusvikira kutsamwa kwomukoma wako kwanyarara kwauri, kana akanganwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mumwe imi mose muri vaviri?”