Genesis 28:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋona Jehova amire naye, akati: Ndini Jehova, Mŋari waAbrahama ɓaɓa ʋako, naMŋari waIsaka; nyika yauʋete pamsoro payo ndicakupa iyo, iwe naʋana ʋako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pawo ipapo pakanga pamire Jehovha, uye akati, “Ndini Jehovha, Mwari wababa vako Abhurahama naMwari waIsaka. Ndichakupa iwe nezvizvarwa zvako nyika yauvete pairi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaonawo Tenzi amire kumusoro kwamanera acho achiti, “Ndini Tenzi, Mwari waAbhurahamu vasekuru vako naMwari waIsaki. Nyika iyoyi yaurere, ndichaipa kwauri navana vako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaona Jehovha amire naye, akati, “Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako;
Shona 2009?
Akaona Je­hovha amire naye, akati, "Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako;
Shona SUB 2002 Bible
Akaona Jehovha amire naye, akati, “Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako;