Genesis 28:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋana ʋako ʋacaita seguruʋa renyika; ucapararira kumaʋirazuʋa, nokumabvazuʋa, nokumsoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa mauri nomuʋana ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvizvarwa zvako zvichaita seguruva renyika, uye muchapararira kubva kumavirira kusvikira kumabvazuva, kumusoro nezasi. Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vana vako vachawanda seguruva renyika, muchatekeshera kumadokero nokumabvazuva nokuchamhembe nokumaodzanyemba. Pamusana pako iwe navana vako, mhuri dzapasi pose dzichawaniswa makomborero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako.
Shona 2009?
vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, no­kumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako.
Shona SUB 2002 Bible
vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako.