Genesis 28:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, ndinewe, ndicakuceŋgeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handiŋgakusiyi kuȿikira ndaita iɀoɀo ɀandakakuʋudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinewe uye ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, uye ndichakudzosazve munyika ino. Handingakusiyi kusvikira ndaita zvandakavimbisa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwa, ndichava newe ndichikuchengeta kwose kwaunenge uri. Ndichakudzosera kunyika ino nokuti handizombosiyana newe kusvikira ndaita zvandakuudza izvi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.”
Shona 2009?
Tarira, ndi­newe, ndichakuchengeta kose kwau­noenda, nokukudzosera kunyika ino; no­kuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza."
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.”