Genesis 28:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Esau wakaʋona kuti Isaka wakaŋga aropafadza Jakobo, akati aende Padani‐arami, kuti aɀiwanire’ko mukadzi; ʋuye ʋo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, aciti: Usawana mukadzi kuʋakunda ʋeKanani;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Esau akaziva kuti Isaka akanga aropafadza Jakobho uye kuti akanga amuendesa kuPadhani Aramu kuti andotora mukadzi ikoko, uye kuti paakamuropafadza akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani,”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Esau akazvinzwa kuti Isaki akakomborera Jakobho, akamuendesa kuMesopotamia kundoroora mukadzi ikoko. Akanzwawo kuti paakamukomborera akamuti, “Usaroore mukadzi wechiKanani.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati aende Padhanaramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, “Usawana mukadzi kuvakunda veKenani”;
Shona 2009?
Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati ae­nde Padhanaramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, "Usawana mu­kadzi kuvakunda veKenani";
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati aende Padhani-aramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, “Usawana mukadzi kuvakunda veKenani”;