Genesis 29:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jakobo akaʋudza Rakeri kuti iye ihama yaɓaɓa ʋake, mŋanakomana waRebeka ipapo iye akamhanya, akandoʋudza ɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akaudza Rakeri kuti iye akanga ari hama yababa vake uye ari mwanakomana waRabheka. Saka Rakeri akamhanya akandoudza baba vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akataurira Rakeri kuti, “Ini ndiri muzukuru wababa wako. Ndiri mwana waRibheka.” Rakeri ndokubva amhanyira kundoudza baba vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake.
Shona 2009?
Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake.
Shona SUB 2002 Bible
Jakobho akaudza Racheri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake.