Genesis 29:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rabani wakati anzwa mashoko aJakobo, mŋanakomana wehanɀadzi yake, akamhanya kundosoŋgana naye, akamumbundikira, akamuȿeta, akamuisa kumba kwake. Iye akaʋudza Rabani ɀinhu iɀo ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rabhani akati angoudzwa mashoko pamusoro paJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akakurumidza kundosangana naye. Akamumbundikira, akamutsvoda uye akamuuyisa kumba kwake, uye ipapo Jakobho akamuudza zvose izvi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rabhani paakanzwa nezvaJakobho mwana wehanzvadzi yake akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akamutsvoda ndokuenda naye kumba kwake. Jakobho akarondedzera Rabhani zvinhu izvozvi zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose.
Shona 2009?
Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose.