Genesis 29:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jakobo wakaŋga aciɗa Rakeri, akati: Ndicakuɓatirai makore manomŋe pamsoro paRakeri, mukunda wenyu muɗuku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jakobho aida Rakeri uye akati, “Ndichakushandirai kwamakore manomwe mugondipa Rakeri mwanasikana wenyu muduku.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho aida Rakeri saka akati, “Ndichagara makore manomwe ndichiitira Rakeri mwanasikana wenyu muduku ugariri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jakobho akanga achida Rakeri, akati, “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.”
Shona 2009?
Zvino Jakobho akanga achida Rakeri, akati, "Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jakobho akanga achida Racheri, akati, “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRacheri, mukunda wenyu muduku.”