Genesis 29:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jakobo akamuɓatira makore manomŋe pamsoro paRakeri: asi akaʋa samazuʋa mashoma kwaari, nokuti wakaŋga acimuɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka Jakobho akashanda makore manomwe achiitira Rakeri ugariri. Pamusana pokuti aimuda, Jakobho akaona makore acho semazuva mashomanana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.
Shona 2009?
Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.
Shona SUB 2002 Bible
Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRacheri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.