Genesis 29:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Tarirai, aciri masikati makuru, ŋguʋa yokuʋuŋganidza ɀipfuwo icigere kuȿika; nwisai makwai, mugondoafudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho akati, “Ko zvaachiri masikati wani! Inga nguva yokukokorodza nokuunganidza zvipfuwo haisati yakwana! Ko madii kupa hwai mvura maenda nadzo kumbondodzifudzazve?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.”
Shona 2009?
Akati, "Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; mwisai makwai, mugondoafudza."
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.”