Genesis 29:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakati: Hatiŋgagoni kuȿikira mapoka ose aʋuŋganidzwa pamŋe cete, ibge rikakuŋguruswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vafudzi vakati, “Hatingadzipe mvura kunze kwokunge mamwe matanga ose aungana, ibwe rapamuromo wetsime rakungurutswa. Ndopatinopa hwai dzedu mvura yokunwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakati, “Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.”
Shona 2009?
Ivo vakati, "Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinomwisa makwai."
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakati, “Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.”