Genesis 3:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakaŋga ndisina‐kusimira; ndikaʋanda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu ndikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.”
Shona 2009?
Iye akati, "Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.”