Genesis 3:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova Mŋari akati kunyoka: Ɀawaita iɀoɀo, watukwa kupfuʋura ɀipfuwo ɀose, nokupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo; ucafamba neɗumbu rako, ucadya guruʋa mazuʋa ose oʋupenyu bgako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi, “Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, kupfuura mhuka dzose dzesango! Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti, “Pamusana pezvawaita izvozvi, wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose nemhuka dzose dzesango. Uchafamba nedumbu rako uchidya guruva, upenyu hwako hwose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha Mwari akati kunyoka, “Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
Shona 2009?
Jehovha Mwari akati kunyoka, "Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha Mwari akati kunyoka, “Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.