Genesis 3:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kumukadzi akati: Ndicawanza ɀikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; ucaɓereka ʋana ucirwadziwa; kuɗa kwako kucaʋa kumurume wako, iye ucaʋa ishe wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kumukadzi akati, “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa. Kuda kwako kuchava kumurume wako, uye achava nesimba pamusoro pako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kumukadzi akati, “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.”
Shona 2009?
Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mi­mba kwako, uchabereka vana uchirwa­dziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako."
Shona SUB 2002 Bible
Kumukadzi akati, “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.”