Genesis 3:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kumunhu akati: Ɀawakaterera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndiciti: Usaudya, ɀino nyika yatukwa nemhoȿa yako; ucadya ɀiɓereko ɀayo nokutambudzika mazuʋa ose oʋupenyu bgako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’ “Ivhu ratukwa nokuda kwako; mukushanda kunorwadza, uchadya zvibereko zvaro mazuva ose oupenyu hwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kumunhu akati, “Zvawakateerera izwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, ‘Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako;
Shona 2009?
Kumunhu akati, "Zvawakateerera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wa­ndakakuraira ndichiti, `Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika ma­zuva ose oupenyu hwako;
Shona SUB 2002 Bible
Kumunhu akati, “Zvawakateerera izwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, ‘Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako;