Genesis 3:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova Mŋari akati: Tarirai, munhu waʋa somumŋe weɗu ɀaanoziʋa ɀakanaka neɀakaipa; ɀino ɀimŋe uŋgatambanudza ruʋoko rwake akatora ʋo ɀomuti woʋupenyu, akadya, akararama nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari Tenzi akati, “Chionaika, munhu afanana nesu, ava kuziva zvakanaka nezvakaipa. Zvino angadaro akatanha michero yomuti woupenyu akadya akararama nokusingaperi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha Mwari akati, “Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha Mwari akati, "Ta­rirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvi­mwe angatambanudza ruoko rwake aka­torawo zvomuti woupenyu, akadya, aka­rarama nokusingaperi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha Mwari akati, “Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.”