Genesis 3:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo akadziŋga munhu, akaisa makerubi kurutiʋi rwamabvazuʋa rwomunda weEdeni, nomuraɀo womunondo waimonereka kumatiʋi ose, kurindira nzira yomuti woʋupenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.
Shona 2009?
Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabva­zuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.