Genesis 3:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti Mŋari unoziʋa kuti nomusi wamunoɀidya nawo, meso enyu acaȿinudzwa, mukaʋa saMŋari, muciziʋa ɀakanaka neɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechichi, Mwari anoziva kuti, musi wamunodya muchero iwoyo, meso enyu anopengenutswa, mobva mafanana naMwari, moziva zvakanaka nezvakaipa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti Mwari anoziva kuti nomusi amunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”
Shona 2009?
nokuti Mwari anoziva kuti nomusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa."
Shona SUB 2002 Bible
nokuti Mwari anoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”