Genesis 3:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti muti wakanaka kudyiwa, ʋuye kuti unofadza meso, ʋuye kuti muti unoɗikanwa kuŋgwadza munhu, akatora micero yawo, akadya, akapa ʋo murume wake, akadya naiye ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.
Shona 2009?
Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofa­dza meso, uye kuti muti unodikamwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero wawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.