Genesis 3:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo meso aʋo, iʋo ʋaʋiri, akaȿinudzwa, ʋakaziʋa kuti haʋana‐kusimira; ʋakasonanidza mashizha omuʋonde, ʋakaɀiitira ŋguʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakarepo meso avo, vose vari vaviri, akapengenuka, vakaziva kuti havana kusimira. Vakasonanidza mashizha omuonde vachizvigadzirira zvokupfeka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguo.
Shona 2009?
Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguvo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguo.