Genesis 3:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakanzwa inzwi raJehova Mŋari acifamba mumunda kwotonhorera maɗekwana; munhu nomukadzi wake ndokundoʋanda pamberi paJehova Mŋari pakati pemiti yomunda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ava manheru kwotonhorera vakanzwa Mwari Tenzi achifamba-famba zvake mubindu, Adhamu nomukadzi wake vakahwanda Mwari Tenzi mukati memiti yomubindu imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakanzwa izwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda.
Shona 2009?
Vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda.
Shona SUB 2002 Bible
Vakanzwa izwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda.