Genesis 30:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaari: Cinhu ciɗuku here kuti wakatora murume waŋgu — Ɀino woɗa kutora ɀe micero yomududayi yomŋanakomana waŋgu — Rakeri akati: Naiɀoɀo ŋgaaʋate newe ʋusiku ʋuno nokuɗa kwemicero yomududayi yomŋanakomana wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iye akati kwaari, “Ko, hazvina kuringana here kuti wakanditorera murume wangu? Uchada kutorazve mamandiraki omwanakomana wangu here?” Rakeri akati, “Zvakanaka, ngaavate newe usiku huno nokuda kwamamandiraki omwanakomana wako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rea akati, “Heya, zvawakanditorera murume wangu hazvina kukugutsa nhai! Zvino wodazve kunditorera michero yomwana wangu!” Rakeri akati, “Kana ukandipa michero yomwana wako ungatorane zvako nomurume kwousiku hwanhasi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwaari, “Chinhu chiduku here kuti wakatora murume wangu?” Rakeri akati, “Naizvozvo ngaavate newe usiku huno nokuda kwemichero yomwanakomana wako.”
Shona 2009?
Iye akati kwaari, "Chinhu chiduku here kuti wakatora murume wangu?" Rakeri akati, "Naizvozvo ngaavate newe usiku huno nokuda kwemichero yomwa­nakomana wako."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwaari, “Chinhu chiduku here kuti wakatora murume wangu?” Racheri akati, “Naizvozvo ngaavate newe usiku huno nokuda kwemichero yomwanakomana wako.”