Genesis 30:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jakobo akatsamŋira Rakeri, akati: Ndiri panɀimbo yaMŋari kanhi, wakakushaisa ciɓereko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jakobho akamutsamwira akati, “Ko, ini ndiri panzvimbo yaMwari here akakuita kuti urege kuva nevana?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho akashatirirwa Rakeri akati, “Ko ndini ndava kutora nzvimbo yaMwari here akaita kuti ushaye mbereko?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jakobho akatsamwira Rakeri akati, “Ndiri panzvimbo yaMwari kani, wakakushaisa chibereko?”
Shona 2009?
Ipapo Jakobho akatsamwira Rakeri akati, "Ndiri panzvimbo yaMwari kanhi, wakakushaisa chibereko?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jakobho akatsamwira Racheri akati, “Ndiri panzvimbo yaMwari kani, wakakushaisa chibereko?”