Genesis 30:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rea akati: Mŋari wakandipa cipo cakanaka; ɀino murume waŋgu ucagara neni, nokuti ndamuɓerekera ʋanakomana ʋatanhatu; akamutumidza zita rinonzi Zeburuni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Rea akati, “Mwari andipa chipo chinokosha. Nguva ino murume wangu achandikudza, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rea akati, “Mwari andipa chipo chakanaka. Rwendo runo murume wangu ndiye ava kuzogara neni zvino, nokuti ndamuberekera majaya matanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rea akati, “Mwari akandipa chipo chakanaka; zvino murume wangu achagara neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu”; akamutumidza zita rinonzi Zebhuroni.
Shona 2009?
Rea akati, "Mwari akandipa chipo chakanaka; zvino murume wangu achagara neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu"; akamutumidza zita rinonzi Zebhuroni.
Shona SUB 2002 Bible
Rea akati, “Mwari akandipa chipo chakanaka; zvino murume wangu achagara neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu”; akamutumidza zita rinonzi Zebhuroni.