Genesis 30:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nenzira iyi kururama kwaŋgu kucandipupurira pashure, kana mucizoʋuya kuʋona muɓairo waŋgu uri pamberi penyu; dzose dzisinamaʋara nedzisinamakwapa pakati pembudzi, namatema pakati pamakwai, iɀoɀo kana ɀikawanikwa kwandiri muŋgati ɀaɓiwa neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kutendeka kwangu kuchandipupurira pane ramangwana rangu, pose pamunenge muchizoona mubayiro wangu wamakandipa. Mbudzi ipi zvayo yandinayo inenge isina mavara kana gwapa, kana gwayana ripi zvaro rinenge risina kusviba, zvichanzi zvakabiwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamunouya kuzoongorora mubayiro wangu muchazoziva kuti ndiri munhu akadii pakutendeka. Kana mukawana ndiine mbudzi zvayo isina mavara mavara kana makamba makamba zvawo, kunyange hwai isiri nhema munobva maziva kuti ndakukorovherai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenzira iyi kururama kwangu kuchandipupurira pashure, kana muchizouya kuona mubayiro wangu uri pamberi penyu; dzose dzisina mavara nedzisina makwapa pakati pembudzi, namatema pakati pamakwai, izvozvo kana zvikawanikwa kwandiri mungati zvabiwa neni.”
Shona 2009?
Nenzira iyi kururama kwangu kuchandipupurira pashure, kana muchizouya kuona mubayiro wangu uri pamberi penyu; dzose dzisina mavara nedzisina makwapa pakati pembudzi, namatema pakati pamakwai, izvozvo kana zvikawanikwa kwandiri mungati zvabiwa neni."
Shona SUB 2002 Bible
Nenzira iyi kururama kwangu kuchandipupurira pashure, kana muchizouya kuona mubairo wangu uri pamberi penyu; dzose dzisina mavara nedzisina makwapa pakati pembudzi, namatema pakati pamakwai, izvozvo kana zvikawanikwa kwandiri mungati zvabiwa neni.”