Genesis 30:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomusi iwoyo akaraʋura nhoŋgo dzembudzi dzakaŋga dzinemitsetsa, nedzinamakwapa, nenhunɀi dzose dzembudzi dzakaŋga dzinamaʋara nedzinamakwapa, dzose dzakaŋga dzinoruʋara rucena, napakati pamakwai ose akaŋga anoruʋara rutema, akaɀipa ʋana ʋake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musi wacho iwoyo akatsaura nhongo dzose dzembudzi dzakanga dzine mitsetse kana dzaiva namakwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi (dzose dzakanga dzine zvichena padziri) namakwayana matema ose, akazvichengetesa navanakomana vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musi iwoyo, Rabhani akatsaura mbudzana nezvikotora nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara mavara nedzaiva namakamba makamba neyose zvayo yaiva nevara jena, akatsaurawo hwayana nhema dzose akapa vana vake kuti vadzichengete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomusi iwoyo akaraura nhongo dzembudzi dzakanga dzine mitsetse, nedzina makwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara nedzina makwapa, dzose dzakanga dzinoruvara ruchena, napakati pamakwai ose akanga anoruvara rutema, akazvipa vana vake;
Shona 2009?
Nomusi iwoyo akaraura nhongo dzembudzi dzakanga dzine mitsetse, nedzina makwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara nedzina makwapa, dzose dzakanga dzinoruvana ruchena, napakati pamakwai ose akanga anoruvara rutema, akazvipa vana vake;
Shona SUB 2002 Bible
Nomusi iwoyo akaraura nhongo dzembudzi dzakanga dzine mitsetse, nedzina makwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara nedzina makwapa, dzose dzakanga dzino ruvara ruchena, napakati pamakwai ose akanga ano ruvara rutema, akazvipa vana vake;