Genesis 30:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaisa matanda aakaŋga aȿuʋura pamberi peɀipfuwo muɀinwiro, paiʋuya ɀipfuwo ɀicinwa; ɀikatora zamu kana ɀoʋuya kunwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akaisa matanda ose akasvuurwa muzvinwiro zvose, kuitira kuti ave mberi kwezvipfuwo pazvainge zvauya kuzonwa. Zvipfuwo zvapfumvura zvaiti pazvinenge zvauya kuzonwa mvura,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaisa tumapango twacho pedyo nemidziyo madzainwira mvura, patwaionekwa nezvipfuwo pazvaiuya kuzonwa mvura nokuti zvaiti zvikasvikapo, mikono yotandana nehadzi dzichibva dzaita mazamu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akaisa matanda aakanga asvuura pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, paiuya zvipfuwo zvichinwa; zvikatora zamu kana zvouya kunwa.
Shona 2009?
akaisa matanda aakanga asvuura pamberi pezvipfuwo muzvimwiro, paiuya zvipfuwo zvichimwa; zvikatora zamu kana zvouya kumwa.
Shona SUB 2002 Bible
akaisa matanda aakanga asvuura pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, paiuya zvipfuwo zvichinwa; zvikatora zamu kana zvouya kunwa.