Genesis 30:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋguʋa imŋe neimŋe kana ɀaiʋa nesimba paɀipfuwo ɀicitora zamu, Jakobo wakaisa matanda pamberi peɀipfuwo muɀi nwiro, kuti ɀitore zamu pakati pamatanda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pose painge nhunzvi dzezvipfuwo zvine simba zvapfumvura, Jakobho aiisa matanda muzvinwiro pamberi pezvipfuwo kuitira kuti zvisangane pedyo namatanda,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwaiti kana zvipfuwo zvakasimba zvabindura, Jakobho aitora tumapango tuya otuisa, pedyo nemidziyo yokunwira mvura iya, patwaionekwa nezvipfuwo kuti zviite zamu pakatarisana notumapango tuya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nguva imwe neimwe kana zvaiva nesimba pazvipfuwo zvichitora zamu, Jakobho akaisa matanda pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, kuti zvitore zamu pakati pamatanda;
Shona 2009?
Zvino nguva imwe neimwe kana zvaiva nesimba pazvipfuwo zvichitora zamu, Jakobho akaisa matanda pamberi pezvipfuwo muzvimwiro, kuti zvitore zamu pakati pamatanda;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nguva imwe neimwe kana zvaiva nesimba pazvipfuwo zvichitora zamu, Jakobho akaisa matanda pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, kuti zvitore zamu pakati pamatanda;