Genesis 31:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Ɀino tarira, uʋone, kuti nhoŋgo dzose, dzinokwira ɀipfuwo, dzinemitsetsa, namaʋara, dzakaita pfumbu; nokuti ndaɀiʋona ɀose Rabani ɀaanoita kwauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akati, ‘Tarira uone kuti nhongo dzose dzembudzi dzinosangana nezvipfuwo zvose dzine mitsetse, mavara kana makwapa, nokuti ndaona zvose zvakanga zvichiitwa naRabhani kwauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, ‘Tarisa uone mikono yose yezvipfuwo iri kutanda hadzi ine mitsetse mitsetse namakamba makamba namavara mavara. Chikonzero ndechokuti ndakaona zvose zvauri kuitirwa naRabhani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, ‘Zvino tarira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dzakaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.
Shona 2009?
Akati, `Zvino tarira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dzakaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, ‘Zvino tarira, uone, kuti zvipfuwo zvose, zvinosangana, zvine mitsetse, namavara, zvakaita zvipfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.