Genesis 31:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndini Mŋari weBeteri, paya pawakazodza shoŋgwe, paya pawakandipikira mhiko; ɀino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaɓerekerwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndini Mwari weBheteri, kuya kwawakazodza mbiru uye kwawakaita mhiko neni. Zvino kurumidza ubve munyika ino uye udzokere kunyika kwawakazvarirwa.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndini Mwari wokuBhetieri kuya kwawakadira ibwe mafuta, ukaita mhiko kwandiri. Saka chirongedza ubve munyika ino udzokere kunyika yawakaberekerwa.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaberekerwa.’ ”
Shona 2009?
Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzo­kere kunyika kwawakaberekerwa.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ndini Mwari weBhetieri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaberekerwa.’ ”