Genesis 31:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Rabani akati kunaJakobo: Waita seiko iwe, nokuti wandinyeŋgedzera, ukaenda naʋakunda ʋaŋgu ʋakaita saʋakatapxa nomunondo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Rabhani akati kuna Jakobho, “Waiteiko? Wandinyengera, uye watakura vanasikana vangu senhapwa muhondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rabhani akati kuna Jakobho, “Ndicho chii ichochi chawandiitira, kundinyengedza kudai, uchitutana navabvana vangu senhapwa dzokubatira mapfumo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Waita seiko iwe, nokuti wandinyengedzera, ukaenda navakunda vangu vakaita savakatapwa nomunondo?
Shona 2009?
Zvino Rabhani akati kuna Jako­bho, "Waita seiko iwe, nokuti wandinye­ngedzera, ukaenda navakunda vangu va­kaita savakatapwa nomunondo?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Waita seiko iwe, nokuti wandinyengedzera, ukaenda navakunda vangu vakaita savakatapwa nomunondo?