Genesis 31:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Rakeri wakaŋga atora ʋamŋari, akaʋaisa mucigaro cekamera, akagara pamsoro paɀo. Rabani akaɓata‐ɓata pose mutente, asi haana‐kuɀiwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Rakeri akanga atora vamwari vomuimba yababa vake akavaisa pasi pechigaro chengamera yake uye akanga agere pamusoro pazvo. Rabhani akatsvaka pakati pezvinhu zvose mutende asi haana kuwana chinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rakeri akanga atora vamwari vacho akavaviga muchityaro chengamera ndokubva agara pamusoro pacho. Rabhani akaparapatika kutsvaga pose pose mutendhe umu, asi hapana chaakawana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Rakeri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabata-bata pose mutende, asi haana kuzviwana.
Shona 2009?
Zvino Rakeri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabata-bata pose mutende, asi haana kuzviwana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Racheri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabatabata pose mutende, asi haana kuzviwana.