Genesis 31:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kunaɓaɓa ʋake: Ishe waŋgu ŋgaarege kutsamŋa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoʋo waʋakadzi uri kwandiri. Iye akatȿakisisa, asi haana‐kuwana ʋamŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rakeri akati kuna baba vake, “Regai henyu kutsamwa, ishe wangu, kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; ndiri pamutowo wavakadzi.” Saka akatsvaka asi haana kuwana vamwari veimba yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rakeri ndokutaurira baba vake achiti, “Musanditsamwire zvenyu shewe. Ini handisi kukwanisa kukusumukirai nokuti ndiri panguva yangu yokutevera.” Rabhani akatsvakisisa asi haana kuwana vamwari vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kuna baba vake, “Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri.” Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari.
Shona 2009?
Iye akati kuna baba vake, "Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri." Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kuna baba vake, “Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri.” Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari.