Genesis 31:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rabani akapindura, akati kunaJakobo: Ʋakunda aʋa ʋakunda ʋaŋgu; ʋana aʋa ʋana ʋaŋgu; ɀipfuwo iɀi ɀipfuwo ɀaŋgu, neɀose ɀaunoʋona ndeɀaŋgu; nhasi ndiŋgaitei kuʋakunda ʋaŋgu aʋa, kana ʋana ʋaʋo ʋaʋakaɀara?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rabhani akapindura Jakobho akati, “Madzimai aya vanasikana vangu, uye vana ava vana vangu, uye zvipfuwo izvi ndezvangu. Zvose zvaunoona ndezvangu. Asi ndichaiteiko nhasi pamusoro pavanasikana vangu ava, kana pamusoro pavana vavakabereka?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rabhani akapindura Jakobho achiti, “Vabvana ava vana vangu ini, vana ava vazukuru vangu, zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu. Zvose zvazvo zvauri kuona ndezvangu. Ko zvino chii chandingaonekwe ndoita nhasi uno kuvabvana vangu kana kuvana vavo vokubereka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rabhani akapindura, akati kuna Jakobho, “Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara?
Shona 2009?
Rabhani akapindura, akati kuna Jakobho, "Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara?
Shona SUB 2002 Bible
Rabhani akapindura, akati kuna Jakobho, “Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara?