Genesis 31:50 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ukazotambudza ʋakunda ʋaŋgu, kana kuwana ʋamŋe ʋakadzi kunze kwaʋakunda ʋaŋgu, hakunomunhu ucaʋa nesu; asi tarira, Mŋari ndico capupu pakati paŋgu newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ukabata vanasikana vangu zvakaipa kana kutora vamwe vakadzi kunze kwevanasikana vangu, kunyange dai mumwe munhu akasava nesu, rangarira kuti Mwari ndiye chapupu pakati pako neni.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana ukazoshusha vabvana vangu kana kuroora vamwe vakadzi, kunyange vamwe vose vakasazviona, Mwari ndiye chapupu chedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana kuwana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe.”
Shona 2009?
Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana kuwana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe."
Shona SUB 2002 Bible
Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana kuwana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe.”