Genesis 31:52 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Murwi uyu cicaʋa capupu, neshoŋgwe iyi cicaʋa capupu, kuti ini handiŋgapfuʋuri murwi uyu ndicienda kwauri, newe kuti urege kupfuʋura murwi uyu, neshoŋgwe iyi, ucienda kwandiri, kuti tiitirane ɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murwi uyu ndiwo chapupu uye mbiru iyi ndiyo chapupu, kuti handizopfuuri murwi uno ndichiuya kwauri kuti ndizokukuvadza uye kuti iwe hauzopfuuri murwi uno nembiru uchiuya kurutivi rwangu kuti uzondikuvadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murwi wamatombo uyu neibwe iri ndiyo micherechedzo ichatipupurira kuti ini handizoidarika ndichiuya kuzokurwisa, newewo hauzodarikawo murwi wamatombo iwoyu neibwe irori uchiuya kuzondirwisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, uchienda kwandiri, kuti tiitirane zvakaipa.
Shona 2009?
Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, ndichienda kwauri, kuti tiitirane zvakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, uchienda kwandiri, kuti tiitirane zvakaipa.