Genesis 31:53 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari waAbrahama, Mŋari waNahori, Mŋari waɓaɓa ʋaʋo, ŋgaatoŋge pakati peɗu. Jakobo akapika naiye waityiwa naIsaka, ɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari waAbhurahama naMwari waNahori, iye Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Saka Jakobho akaita mhiko muzita raiye aityiwa nababa vake Isaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari waAbhurahamu naMwari waNahori naMwari wababa wavo ngavave ivo vatongi pakati pangu newe.” Jakobho ndokupika naMwari anonamatwa nababa vake Isaki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake.
Shona 2009?
Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaato­nge pakati pedu." Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake.