Genesis 31:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋakati: Ɀinamaʋara ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinamaʋara; kana ʋakati: Ɀinemitsetsa ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinemitsetsa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakati, ‘Zvina mavara zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakabereka zvina mavara, uye pavakati, ‘Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakaberekwa zvine mitsetse.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
baba venyu pavaiti, ‘Zvipfuwo zvine makamba makamba zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vane makamba makamba. Pavaizotiwo, ‘Zvine mitsetse mitsetse ndizvo zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vaiva nemitsetse mitsetse.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana vakati, ‘Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvina mavara;’ kana vakati, ‘Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose ndokubereka zvine mitsetse.
Shona 2009?
Kana vakati, `Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvina mavara;' kana vakati, `Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako,' zvipfuwo zvose ndokubereka zvine mitsetse.
Shona SUB 2002 Bible
Kana vakati, ‘Zvina mavara ngazvive mubairo wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvina mavara;’ kana vakati, ‘Zvine mitsetse ngazvive mubairo wako,’ zvipfuwo zvose ndokubereka zvine mitsetse.