Genesis 32:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
handina‐kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Joridani urwu netȿimbo yaŋgu yoga; ɀino ndaʋa mapoka maʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ini handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose idzi uye nokutendeka kwamakaratidza muranda wenyu. Ndakanga ndichingova netsvimbo yangu bedzi pandakayambuka Jorodhani urwu, asi zvino ndava mapoka maviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini handikodzeri kuwana kunyange kai zvako kwomwoyochena wenyu, nokutendeseka kwenyu kwamakandiitira, ini muranda wenyu nokuti pandakayambuka Jorodhani urwu ndaingova iyeni ndoga netsvimbo yangu. Asi nhasi uno ndava namapoka maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Jorodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri.
Shona 2009?
handina kufanirwa ne­nyasha dzenyu dzose nokutendeka kwe­nyu kose kwamakaitira muranda we­nyu; nokuti ndakayambuka Jorodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri.
Shona SUB 2002 Bible
handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Jodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri.