Genesis 32:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndimi makati: Ɀirokwaɀo ndicakuitira ɀakanaka, ndicaita ʋo rudzi rwako sejeca reguŋgwa, risiŋgagoni kuʋereŋgwa nokuwanda kwaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi makati, ‘Zvirokwazvo ndichaita kuti ubudirire uye kuti zvizvarwa zvako zvive sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndimi makambonditsidzira muchiti, ‘Ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka. Ndichakupa vana vakawanda sejecha regungwa vasingaverengeki nokuwanda kwavo.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndimi makati, ‘Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa nokuwanda kwaro.’ ”
Shona 2009?
Ndimwi makati, `Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa nokuwanda kwaro.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ndimi makati, ‘Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa nokuwanda kwaro.’ ”