Genesis 32:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaɀipa mumaʋoko aʋaranda ʋake, ɓoka rimŋe nerimŋe riri roga; akati kuʋaranda ʋake: Yambukai pamberi paŋgu, musiye runhambo pakati peɓoka rimŋe nerimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaita kuti zvichengetwe navaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga, uye akati kuvaranda vake, “Tungamirai mberi kwangu, uye musiye nzvimbo pakati pamapoka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho akaisa izvi mumaoko avaranda vake kuti vatinhe zvipfuwo zvacho zviri mumapoka azvo, boka rimwe nerimwe riri paro roga. Akati, “Chifanoendai, asi musiye chinhambwe chakati kuti pakati peboka rimwe nerimwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akazvipa mumaoko avaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga; akati kuvaranda vake, “Yambukai pamberi pangu, musiye runhambo pakati peboka rimwe nerimwe.”
Shona 2009?
Akazvipa mumaoko avara­nda vake, boka rimwe nerimwe riri roga; akati kuvaranda vake, "Yambukai pa­mberi pangu, musiye runhambo pakati peboka rimwe nerimwe."
Shona SUB 2002 Bible
Akazvipa mumaoko avaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga; akati kuvaranda vake, “Yambukai pamberi pangu, musiye runhambo pakati peboka rimwe nerimwe.”