Genesis 32:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaraira ʋo wecipiri nowecitatu, naʋose ʋakaŋga ʋaciteʋera mapoka, akati: Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muciɗaro;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akarayirawo wechipiri, wechitatu uye navamwe vose vaitevera mapoka achiti, “Munofanira kutaura chinhu chimwe chete kuna Esau pamunosangana naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akarayirawo boka rechipiri nerechitatu navose vaitevera mapoka achiti, “Kana mukasangana naEsau muudzei zvimwechetezvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akarairawo wechipiri newechitatu, navose vakanga vachitevera mapoka, akati, “Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muchidaro;
Shona 2009?
akarairawo wechipiri newechitatu, navose vakanga vachitevera mapoka, akati, "Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muchidaro;
Shona SUB 2002 Bible
akarairawo wechipiri newechitatu, navose vakanga vachitevera mapoka, akati, “Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muchidaro;