Genesis 32:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aciʋona kuti haagoni kumukunda, akamuɓata pahudyu, hudyu ikaniŋguka nemitsimba naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume uye paakaona kuti akanga asingagoni kumukunda, akabata pahudyu yaJakobho zvokuti hudyu yakashodogoka paakanga achiita mutsimba nomunhu uyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye.
Shona 2009?
Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka ne­mitsimba naye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye.