Genesis 32:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Cindirega ndiende, nokuti ʋutoŋga bgotȿuka. Iye akati: Handiŋgakuregiyi kuti muende, musati mandiropafadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo murume uya akati, “Ndirege ndiende, nokuti utonga hwatsvuka.” Asi Jakobho akapindura akati, “Handingatongokuregei muchienda kusvikira mandiropafadza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!” Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka.” Iye akati, “Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.”
Shona 2009?
Iye akati, "Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka." Iye akati, "Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka.” Iye akati, “Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.”