Genesis 32:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋaraira, akati: Taurai nashe waŋgu, Esau, muti: Ɀanzi nomuranda wenyu Jakobo: Ndakaŋga ndiri mutorwa kunaRabani, ndikagara’ko kuȿikira ɀino;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna tenzi wangu Esau kuti: ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, Ndakanga ndichigara naRabhani uye ndakagarako kusvikira zvino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzirayira achiti, “Endai kuna changamire wangu Esau mumutaurire kuti, ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndanga ndiri kwaRabhani kwandanga ndigere kusvikira iye zvino.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavaraira, akati, “Taurai nashe wangu, Esau, muti, ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndakanga ndiri mutorwa kuna Rabhani, ndikagarako kusvikira zvino;
Shona 2009?
Akavaraira, akati, "Taurai nashe wangu, Esau, muti, `Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndakanga ndiri mutorwa kuna Rabhani, ndikagarako kusvikira zvino;
Shona SUB 2002 Bible
Akavaraira, akati, “Taurai nashe wangu, Esau, muti, ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndakanga ndiri mutorwa kuna Rabhani, ndikagarako kusvikira zvino;